1 Corinthians 10

Tirege kuidza Mwari seVaIsraeri

1Uye handidi kuti murege kuziva, hama, kuti madzibaba edu ese akange ari pasi pegore, uye ese akagura nemugungwa, 2uye ese akabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa, 3uye ese akadya kudya kumwe kwemweya, 4uye ese akanwa zvinwiwa zvimwe zvemweya; nokuti akanwa kubva padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro rakange riri Kristu. 5Asi muruzhinji rwawo Mwari haana kufadzwa; nokuti akaparadzwa murenje. 6Zvino zvinhu izvi zvakava mifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvakaipa, sezvavakashuvawo. 7Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvakwakanyorwa, kuchinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekunwa, ndokusimuka kutamba. 8Uye ngatirege kupomba, sevamwe vavo vakaita upombwe, ndokuwa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu. 9Uye ngatirege kuidza Kristu, sevamwe vavowo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka. 10Muregewo kun'un'una, sevamwe vavowo vakan'un'una, vakaparadzwa nemuparadzi. 11Zvinhu izvi zvese zvakavawirawo kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nemagumo enyika. 12Naizvozvo anofunga kuti amire, ngaaone kuti haawi. 13Hakuna muedzo wakakubatai kunze kweuri muvanhu; asi Mwari wakatendeka, asingazotenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo, asi pamwe nemuedzo achaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura.

Nzvengai zvifananidzo

14Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo. 15Ndinotaura sekune vakachenjera; imwi tongai zvandinotaura. 16Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here? 17Nokuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nokuti isu tese tinogovana pachingwa chimwe. 18Tarirai Israeri zvepanyama; vanodya zvibairo havasi ivo vanogoverana nearitari here? 19Ko ndoti kudii? Kuti chifananidzo chinhu here? Kana kuti chakabairwa chifananidzo chinhu here? 20Asi kuti vahedheni zvavanobaya, vanozvibaira madhimoni, uye kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni. 21Hamugoni kunwa mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamugoni kugovana tafura yaIshe netafura yemadhimoni. 22Kana tinozvimutsira godo Ishe here? Ko takasimba kumupfuura here?

MuKristu ngaarege kugumbusa vamwe

23Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinobatsira. Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinovaka. 24Kusava neanozvitsvakira zvake, asi umwe neumwe zveumwe. 25Zvese zvinotengeswa pamisika yenyama idyai, musingabvunzi chinhu nekuda kwehana; 26nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo. 27Uye kana umwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, chese chinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana. 28Asi kana umwe akati kwamuri: Ichi chakabairwa chifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye kwehana; nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo. 29Asi hana ndinoti, isati iri yako, asi yeumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerwei nehana yeumwe? 30Uye kana ini nenyasha ndichiwana mugove, ndingagotukirwei nekuda kwechinhu chandinovonga ini? 31Naizvozvo kana muchidya, kana kunwa, kana chipi nechipi chamunoita, zviitirei rukudzo rwaMwari. 32Regai kugumbusa zvese kuVaJudha nekuVaGiriki nekukereke yaMwari; 33seniwo ndinofadza vese pazvese, ndisingatsvaki rubatsiro rwangu, asi rwevazhinji, kuti vaponeswe.

Copyright information for Shona